Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Opesana Maonero naAmai Grace Mugabe


Unkosikazi Grace Mugabe
Unkosikazi Grace Mugabe

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Yvone Musarurwa, vanotiwo zviito zvaAmai Mugabe zvinoratidza kuti havana hany’a nevamwe vanhu kusanganisira vana vari kukura avo vari kumanikidzwa kuenda kumisangano yavo munguva yavanofanirwa kunge vachiita zvidzidzo zvavo.

Misangano mizhinji inokokwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, inenge ine chaunga chevanhu kunyanya madzimai, ukuwo makurukota ehurumende achikwikwidzana kuvapo pamisangano iyi.

Ukaona huwandu hwevanhu vanenge vari pamisangano iyi pamwe nekurumbidzwa kunenge kuchiitwa Amai Mugabe, unopedzisira wofungidzira kuti mudzimai wemutungamiriri wenyika ane rustigiro rwakanyanya muZimbabwe uye kuti anodiwa zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vanoti kunyange hazvo Amai Mugabe vachiunganirwa neruzhinji, havafaniri kuzvitutumadza kuti vane rutsigiro sezvo ruzhinji rwevanhu ava vasingavatsigiri nemwoyo wavo wese, asi kuti izvi vanozviita nekutya.

Mumwe wevanhu vane mafungiro akadai, ndiMuzvare Fungai Masaiti, avo vanogara muHarare.

Muzvare Masaiti vanoti zviroto kufunga kuti Amai Mugabe vangaite hany’a neumwe munhuwo zvake ivo vachitadza kuita hany’a nemurume wavo anova VaMugabe, avo vakwegura vachisakwanisi kuita basa ravo nemazvo.

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Yvone Musarurwa, vanotiwo zviito zvaAmai Mugabe zvinoratidza kuti havana hany’a nevamwe vanhu kusanganisira vana vari kukura avo vari kumanikidzwa kuenda kumisangano yavo munguva yavanofanirwa kunge vachiita zvidzidzo zvavo.

Muzvare Musarurwa vanoti Amai Mugabe vari kuratidza hunhu hwavo kuburikidza nekutadza kutsigira vanhukadzi.

Muzvare Musarurwa vanoti Amai Mugabe vari kutadza kuzadzisa zviga zve Beijing Conference zvakaitwa muna 1995 zvinokurudzira kusimudzirwa kwevanhukadzi.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Muzvare Sickness Chikandiwa, vanoti Amai Grace Mugabe munhu ane makaro, uye vakatonga, vanhu vanenge vari parumananzombe sezvo vasina rudo kana hany’a nevamwe vanhu

Muzvare Chikandiwa vanoti Amai Mugabe vakaita manyemwe okuti vane rutsigiro, vanenge vachizvinyepera sezvo rutsigiro rwavari kuwana rwuri rwevanhu vanovatya, sezvo muZanu PF muine kutyisidzirana kwemhando yepamusoro soro.

Asi mumwewo anotevera zviri kuitika munyika, Va Tichaona Muza, vanoti hazvigoni kuti munhu afarirwe kana kutsigirwa nemunhu kana kuitira rudo munhuwese nekudaro Amai Grace Mugabe vane vavane hany’awo navo munyika.

Zvavanoita kuvanhu vavaofrira zvinoita kuti vagonzi mai venyika vane hanya nekuti vanovaratidza rudo rwavo rwese asiwo zvavanoita kuvanhu vavasingafarire , zvine hutsinye mukati zvinoita vagoita sekuti havasi mai venyika]

MuZanu PF Amai Mugabe vanodeedzwa nezita reruremekedzo rekuti AMAI.

Asi nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti veruzhinji, kuti vanyatsoziva mudzimai uyu, vanofanira kupenengura zvakadzama hupenyu hwaAmai Grace Mugabe, kubva panguva yavakaita vana vaviri naVaMugabe mudzimai wekutanga waVaMugabe, muchakabvu Sally Mugabe, vachiri vapenyu, kubvuta kwavakaita mapurazi evachena gumi nemana ane mahekita zviuru gumi nezvitanhatu, kusanganisira purazi ravakadzinga vanhu vatema kuti vachengetere mhuka, pamwe nemapindiro avakaita mune zvematongerwo enyika gore rapera vachibva vaenda panhongonya yebazi rezvevanhukadzi muZanu PF.

XS
SM
MD
LG