Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vanoti Vakazvipira Kushanda Vari Pasi paVaMnangagwa


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vaenderera mberi nemisangano yavo kuMataga Business Center, Mberengwa kuMidlands.

Amai Mugabe vati havana chido chekutora chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sezviri kutaurwa nevamwe mubato.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti vamwe muZanu-PF, vachitungamirwa nedunhu reMashonland West, vari kuda kuti Amai Mugabe vatore chigaro chekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pari zvino Amai Mugabe ndivo mukuru webazi remadzimai reWomens League. Amai Mugabe vatiwo VaMugabe munhu agara achinetsekera nyika uye achirarama hupenyu hwakaoma kubva munguva yechimurenga.

Mudzimai wemutungamiri wenyika ashorawo bato reMDC achiti rakaumbwa navanasapurazi vaisafara nekutorerwa minda. Vatiwo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai,ndivo vakaunza zvirango zvakatemerwa nyika.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti Amai Mugabe havana zvavanoziva pane zvavari kutaura.

VaGutu vatiwo bato ravo riri kuenda kumatare kuti amise Amai Mugabe kupa vanhu matarakita ehurumende, sezvo asiri ehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Mugabe vashorawo VaRugare Gumbo vePeople First vachiti mutengesi uye vari kufamba vachipa vanhu mari kuti vavatsigire.Asi VaGumbo vati zviri kutaurwa nemudzimai wemutungamiri wenyika hazvina nemusoro wese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatevedzeri vose vemutungamiri wenyika, VaMnangagwa naVaPhelekezela Mphoko vange varipowo pamusangano uyu. VaMpoko varatidza kusafara apo vadaidzwa kunzi VaMboko nevakafanobata chigaro chasachigaro weMidlands, VaKizito Chivamba. Vati uku kushora uye kunyomba.

XS
SM
MD
LG