Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosvitsa Makore Makumi Masere neMapfumbamwe Vamwe Vachiti Vachinozorora


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvika makore makumi masere nemapfumbamwe ekuberekwa.

Kunyange hazvo vamwe mubato reZanu-PF vari kubatana mukupemberera bhavhudhe iri vachiti VaMugabe varambe vachitonga, vamwe vanoti makore avava nawo awandisa zvekuti vanofanira kuti vachienda pamudyandigere.

Vari kuti VaMugabe vaende pamudyandigere ava vari kupawo muenzaniso wemukuru weRoman Catholic Church, Pope Benedict XVI, avo vakati vari kuenda pamudyandigere kupera kwemwedzi uno.

Pope Benedict vanoti vakura uye havachakwanisi kuti varambe vachitungamira kereke iyi.

VaMugabe vatonga Zimbabwe kubva nyika zvayakawana kuzvitonga kuzere mugore ra1980. Dzimwe nyika dzose dzakatenderedza Zimbabwe dzawana vatungamiri venyika vakawanda munguva iyi sezvo dzichiti munhu anotonga matemu maviri obva aenda pamudyandigere.

Bumbiro riripo iko zvino haritari matemu okuti munhu atonge muZimbabwe. Vamwe vari kushorawo nyaya yekuti VaMugabe vanoita mabiko anosvika mamiriyoni emadhora uku vanhu munyika vachinonga svosve nemuromo.

Asi veZanu-PF vanoti vanotaura izvi vanhu vagara havo vachishora chero chaitwa naVaMugabe.

Mukuru anoona nezvegwara remusangano muMDC-T, VaCharles Mangongera, vanoti VaMugabe ngavachiende pamudyandigere.

Asi mumiriri weZanu-PF kuMazowe North, Retired Major Cairo Mhandu, vanoti VaMugabe ngavarambe vachitonga sezvo vaunza budiriro munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG