Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vochema Vachiti VaMugabe Voshandisa Mari Yakawandisa yeBhavhadhe Ravo


Zimbabwe President Robert Mugabe At His 92nd Birthday
Zimbabwe President Robert Mugabe At His 92nd Birthday

Mari ichashandiswa pabhavhadhe raVaMugabe inonzi inokwanisa kutenga zviuru zvitatu zvematani echibage

Vanhu vakawanda vari kupesana pamusoro pedanho remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekuita mabiko ebhavhadhe ravo richadya mari inodarika mazana masere ezviuru zvemadhora.

Veruzhinji vari kunyora pamadandemutande vanoti chinonyanyorwadza ndechekuti mabiko aya ari kuitwa panguva iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa.

Vamwe vanoti mari iri kushandiswa pahurongwa uhu kuMasvingo nemusi weMugovera, imari yakawanda zvikuru zvokuti inokwanisa kutenga zviuru zvitatu zvematani echibage, icho chinogona kushandiswa neavo vakatarisana nenzara mudunhu iri kwemwedzi ine tsama.

Asi vamwe vanotiwo hapana mari yehurumende iri kushandiswa pamabiko aya, sezvo vatsigiri veZanu PF vari ivo vari kubvisa mari idzi. Asi sachigaro we Progressive Teachers Union of Zimbabwe mudunhu reMasvingo, Va Matthew Eston, vanoti varairidzi neveruzhinji vari kumanikidzwa kubvisa mari dzemabiko aya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda yakarekerera ku Zanu PF sezvo iri nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirimhandu, vanoti havaoni chakaipa nemabiko aVaMugabe, sezvo vatsigiri veZanu PF vari ivo vari kuronga mabiko aya.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mari yehurumende iri kushandiswa pamabiko aya sezvo makurukota kusanganisira ivo VaMugabe vachashandisa dzinotokari dzehurumende pamwe nemavori nemapurisa mukuona kuti mabiko aya afamba zvakanaka murunyararire.

VaMugabe vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri svondo rapera nemusi weSvondo. Asi mabiko avo akaendeswa mberi kuitira kuti aitwe neMugovera, Kukadzi 27, 2016.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG