Accessibility links

Caps United Inosimudza Mukombe weCastle Premier Soccer League

  • Blessing Zulu

Caps-United

Chikwata cheCaps United ndicho chasimudza mukombe weCastle Premier Soccer League mushure mekurova chikwata cheChapungu 1-0 kuAscot Stadium kuGweru.

Chikwata cheFC Platinum icho change chichifema chiri mugotsi meCaps United hachina kuwana mukombe kunyangwe hacho charova Tsolotsho 3-0.

Aka ndekechishanu munhoroondo yemakwikwi aya Caps United ichisimudza mukombe wePSL. Caps yakambozviita muuna 1979, 1996, 2004, 2005.

Makororokoto kuCaps United kubva kuStudio 7

XS
SM
MD
LG