Accessibility links

MDC yaVaNcube Inodzinga Nhengo Dzayo dzeParamende Shanu

  • Ntungamili Nkomo

Zimbabwe Economy Hurt by Uncertainty About Indigenization Law

Zimbabwe Economy Hurt by Uncertainty About Indigenization Law

Bato reMDC rinotungamirwa naVaWelshman Ncube rinoti radzinga vamiriri varo vashanu vanomiriri nzvimbo dzakasiyana mudare reparamende richivapomera mhosva yekutsigira MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

Munyori mukuru webato iri, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, vakatumira nhengo idzi matsamba pakupera pesvondo vachivazivisa nezvedanho iri.

Vadzingwa ava vanosanganisira nhengo dzeHouse of Assembly, VaMaxwell Dube, mumiriri we Tsholotsho South; mumiriri weGwanda North, VaThandeko Zinti Mkandla; mumiriri weUmzingwane, Muzvare Nomalanga Khumalo pamwe nenhengo dzeseneti mbiri, VaDalumuzi Khumalo vekuLupane, pamwe chete naVaKembo Dube vekuUmzingwane.

Makore matatu apfuura, bato iri rakadzinga zvakare nhengo dzaro dzeparamende nhatu dzinoti mumiriri weNkayi South, VaAbednico Bhebhe; mumiriri weLupane East, VaNjabuliso Mguni, pamwe nemumiriri weBulilima East, VaNorman Mpofu, richivapomerwawo mhosva yekutsigira MDC yaVaTsvangirai.

Izvi zvinoreva kuti MDC yaVaNcube yasarirwa nenhengo dzeHouse of Assembly nhatu dzinoti VaMoses Mzila Ndlovu vekuBulilima West, VaPatrick Dube vekuGwanda Central, naVaSiyabonga Malandu Ncube vekuInsiza South.

Yasarirwa zvakare nemaseneta mana anosanganisira VaDavid Coltart, VaLutho Tapela, VaRobert Makhula naVaBelieve Gaule.

VaDalumuzi Khumalo naVa Maxwell Dube varamba kutaura nezvenyaya iyi, ukuwo VaZinti, Muzvare Khumalo naVaDube havana kukwanisa kubatwa kuti tinzwe divi ravo.

Mutauriri weMDC yaVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanoti bato ravo richadzinga vese vanenge vasingafambi negwara remusangano.
XS
SM
MD
LG