Accessibility links

Breaking News

VaCharles Kuwaza Vowanikwa Vakafa muHarare Asi Paine Mibvunzo Yakawanda


Vaimbova sachigaro webazi reState Procurement Board VaCharles Kuwaza avo vange vachiferefetwa nenyaya dzehuwori vakashaya nemusi weChipiri paine kufungidzirwa kuti vainge vatora hupenyu hwavo nekuzvikanda kubva mu 9th Floor yemahofisi avo eClub Chambers muHarare.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasiyisa VaKuwaza basa sezvo vainge vachipomerwa mhosva dzehuwori. State Procurement Board yave pasi pehofisi yemutungamiri wenyika.

Asi vamwe vanoti nyaya yerufu rwavo haina kujeka sezvo ivo VaKuwaza mbune vakambobuda pachena vachiti pane vanhu vaida kuvaita kafiramberi.

VaKuwaza vakaudza bepanhau reHerald kuti muna Mbudzi 2010, pane akamboyedza kuvauraya nekuvaisira muchetura muchikafu.

Vanotizve mumwedzi mumwe chete pane akambobata bata motokari yavo achiyedza kuvauraya zvekare.

Pavakasungwa mwedzi wapera, VaKuwaza vanonzi vakabva vatanga kurwara zvakaipisisa vakaendeswa kuchiptara cheMetropolitan Clinic. Hapana anoziva kuti chii chakapa kuti varware.

Asi nemusi weChipiri, VaKuwaza vanonzi vakaenda kuhofisi kwavo vachida kunotora mapepa avaiti ane humbowo hwekuti mhosva yavange vachipomerwa yekuba mari inosvika miriyoni imwe chete yemabhora ekuAmerica uye mabhiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu zvemadhora eZimbabwe yaive yekunyepa.

Mashoko ari kubuda anoti VaKuwaza vakazoonekwa vakafa nemudzimai wavo, uyo vanga vasiya ari mumotokari apo vakaenda kuhofisi kwavo. Zvinonzi mushure memaminetsi angade kusvika makumi matatu, mudzimai waVaKuwaza akafunga zvekuti anoona kuti chii chanonotsa murume wake kudzoka, ndipo paakazoona murume wake chave chitunha.

Mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi vakaudza Studio 7 kuti vachiri kuferefeta nyaya iyi.

Panyaya yekuti VaKuwaza vanoti vaida kuitwa kafiramberi, VaNyathi vati vachiri kuongorora nyaya iyi uye vanoda nguva.

Hurukuro naVaPaul Nyathi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG