Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votarisira Hurumende Ichasarudzwa Kugadzirisa Nyaya dzeHutano


Vagari vemuZimbabwe munzvimbo dzakasiyana siyana vanoti vanoda kuti hurumende ichasarudzwa musi wa 31 Chikunguru ikoshesa zvakadzama hutano hwevanhu, kuitira kuti nyika ibudirire zvinofadza.

Mutungamiri wesangano re Simbarashe Network kuMhondoro, VaRichman Rangwani, vanoti hurumende ichasarudzwa inofanirwa kuona kuti zvipatara zvose munyika zvine michina yeCD4 Count kuitira kuti vanhu vavhenekwe ropa ravo nekukurumidza, voziva mamiriro ehutano hwavo pachine nguva.

Imwe nhengo yesangano reTreatment Action Campaign Zimbabwe HIV/AIDS Activists Union, VaThembinkosi Ncube, vanotiwo hurumende ichasarudzwa inofanirwa kukoshesa hutano hwevanorarama neHIV/AIDS.

Mumwe mugari wekuChipinga, Muzvare Tanyisa Sithole, vanotiwo hurumende itsva inofanirwa kuona kuti vanhu vose vanorwara negomarara vawanirwa rubatsiro rwakakwana.

Muzvare Sithole vanoti zvekare hurumende itsva inofanira kuwedzera zvipatara zvikuru kumaruwa. Muzvare Sithole vanoti vanhu vazhinji vekuChipinga vanowana rubatsiro kuzvipatara zvakavakwa kare nevemachechi, kunyange hazvo zvipatara izvi zviri kure nekunogara veruzhinji.

Mumwe mugari wemuGweru, VaTendayi Chimbwana, vanoti hurumende inofanirwa kuisa mari yakawanda mubazi rezveutano kuitira kuti mishonga nezvimwe zvakadaro zviwanikwe nyore.

Zimbabwe yaimbove nehunyanzvi munyaya dzezveutano, asi zvinhu zvakazoondomoka apo hurumende yeZanu PF yakatanga kuvhiringa hupfumi hwenyika kuburikidza nekuva nezvirongwa zvinodzosera hupfumi kumashure.

Asi zvinhu zvakazotanga kuita zviri nani pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, izvo zviri kupa kuti vakawanda vashuvire remangwana rakanaka muhurumende itsva.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG