Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Ndivo Vari Kutonga muZanu PF neHurumende?


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Amai Mugabe munhu ari kuratidza kuti ane tarisiro yekuva pamusoro munyaya dzezvematongerwo enyika zvichionekwa nekumira mira kwavari kuita kubva apo vakasarudzwa kuva munyori weZanu PF Women’s League.

Veruzhinji vanoti havaoni ramangwana remudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, rakajeka kana murume wavo, VaRobert Mugabe, kana vachinge vasiya chigaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vamwewo vanoti Amai Mugabe munhu anokwanisa kuzvimiririra pane chese chavanenge vachida kuvepo kana kusavepo kwemurume wavo panyanga dzenyika.

Amai Mugabe munhu ari kuratidza kuti ane tarisiro yekuva pamusoro munyaya dzezvematongerwo enyika zvichionekwa nekumira mira kwavari kuita kubva apo vakasarudzwa kuva munyori weZanu PF Women’s League.

Amai Mugabe vakatenderera nenyika vachiita makambeni makuru pamisangano yaizara vanhu.

Mwedzi wapfuura vaiva kuManicaland kwaMutambara uko vakagovera matarakita ehurumende kudunhu reChimanimani, vakazoenda kuRushinga uko vakaita zvimwechetezvo.

Vamwe vanoti zvose izvi zvichapera mushure mekusiya hofisi kwemurume wavo, asi vamwe vachipokana nazvo.

Mukuru wesangano revagari reMutare Residents and Ratepayers Association, Va David Mutambirwa, vanoti nyanga dzaAmai Mugabe hapana zviripo makumbo enyoka uye inyanga dzezizi.

Mumwe mugari wekwaMutare, VaTanyisa Mashayahanya, vanoti mudzimai womutungamiri wenyika achatarisana nematambudziko mazhinji pamberi mushure mekunge murume wavo abva pachigaro.

VaMashayahanya vanoti izvo zvichaitika nokuti Amai Mugabe vari kunyonganisana nevanhu vakawanda mubato reZanu PF.

VaMashayahanya vanoti zvakare havaoni bumbiro remutemo webato reZanu PF richizogadzurudzwa kuitira kuti Amai Mugabe vawane pekuruma vari sezviri kutaurwa nemamwe mapoka.

Vanoti pane vazhinji vakafamba nebato iri kubva kare apo nyika yakawana kuzvitonga muna 1980 vari kudawo kutonga asi havasati vawana mukana nekuti VaMugabe vachiri panyanga.

Mumwe mugari wemuManicaland, Muzvare Nokhutula Foroma, vanoti nyaya yekuti Amai Mugabe vachange vamire papi mune remangwana inonenetsa kuti izivikanwe nekuda kwemakatanwa aripo mubato reZanu PF.

Asi Muzvare Foroma vanoti vanoona sekuti Amai Mugabe vachakwanisa kuwana zvavanoda nekuda kwerutsigiro rwavari kuwana kuvazhinji vari muhurumende.

Asi gweta rine mukurumbira kuno kwaMutare,VaPassmore Nyakureba, vanoti vakwawanda vangada kuonera Amai Mugabe nechekure panyaya yehutungamiriri asi vanofanirwa kuziva kuti mudzimai wemutungamiriri wenyika uyu atove pedyo nezvari kushuvira.

VaNyakureba vanoti mukana waAmai Mugabe uripo sezvo vane rutsigiro rwevanhu vakakosha muhurumende iripo pari zvino.

Gweta iri rinoti mubato reZanu PF hapana chinonzi hachikwanisiki kuitwa kana vakuru vacho pane chavada.

Kunyangwe hazvo Studio 7 isina kukwanisa kutaura naAmai Mugabe pamusoro pezvenyaya iyi, mwedzi wapfuura Amai Mugabe vakati ivo ndivo vari panyanya munyaya yekugadzirisa musangano uyu kubva kunhubu.

Vachitaura paMutambara Mission, Amai Mugabe vakati bato reZanu PF rakafanana nemutambo wenhabvu, uye ivo ndivo muridzi wepito kune vanenge vasiri kuita zvakanaka mubato, zvichireva kuti vane masimba.

Kunyange hazvo vanhu vaine muonero wakasiyana pane zviri kuitwa naAmai Mugabe, chokwadi chiri kuitika muZanu PF ndechekuti hapana asingateereri amai ava sezvo vava chipangamazano chikuru chemurume wavo, uyo ave mukweguri.

Vana sorojena varere muhapwa dzemakomo vakataura chokwadi paya pavakati kusina amai hakuendwe, sezvo izvi zviri izvo zviri kuitika muZanu PF.

XS
SM
MD
LG