Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vorumbidza Muchakabvu Joshua Nkomo paMusangano Wavaita kuMaphisa


Amai Grace Mugabe vanosvika pamusangano ku Maphisa, Matabeleland South
Amai Grace Mugabe vanosvika pamusangano ku Maphisa, Matabeleland South

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko, veruzhinji vanofanirwa kuramba vakabatana vachichengetedza runyararo rwuri munyika senzira yekuremekedza mushakabvu, VaJoshua Nkomo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wavaita nevanhu paMaphisa Growth Point kuMatabeleland South neChina, Amai Mugabe vati veruzhinji vanofanirwa kukoshesa rusununguko rwavainarwo pamwe nekubatana nerunyararo zviri munyika.

Vati kuita izvi kunoita kuti mweya wevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu Joshua Nkomo, uzorore murugare.

VaNkomo, avo vaitungamira bato reZAPU, vakanyorerana chibvumirano chemutanidzwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muna 1987 izvo zvakaita kuti bato reZAPU ribatane nereZanu PF.

Amai Mugabe vati nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu munyika vanoziva kuti veruzhinji vari kunetseka pakuedza kuraramisa mhuri dzavo. Asi vati izvi hazvifanirwe kuita kuti vanhu vakoshiwe nhoroondo yenyika yeZimbabwe.

Amai Mugabe, avo vakambobuda munhau nenyaya yavo yekushora varwi vehondo yerusununguko pane mimwe misangano yavo yavakaita munguva yapfuura, vati vanhu vanofanirwa kuremekedza varwi vehondo yerususnunguko, kusanganisira vamwe vakuru vakuru veZanu PF vakaendawo kuhondo, vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mushakabvu VaNkomo pachavo, pamwe nevamwe vakaita saana VaSimon Khaya Moyo naVaKembo Mohadi, avo vanove vamwe vevakuru-vakuru vange varipowo pamusangano uyu.

Amai Mugabe vashora mutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vachivati havazi mutungamiri ane hany'a nevanhu sezvo vakakurudzira kuti Zimbabwe itemerwe zvirango nenyika dzekumadokero.

Vashorawo mamwe masangano anoshanda akazvimirira ega ayo vati anoshandisa nyaya yekupa chikafu kune vamwe vanhu vanoshaya chikafu senzira yekuti vasatsigira VaMugabe nebato ravo reZanu PF.

Asi ivo Amai Mugabe pachavo vapa chikafu kuvanhu chinosanganisira matani mazana maviri echibage, matani zana nemakumi maviri emupunga. Vatiwo pane matani chiuru ehupfu achapiwa vanhu pasi pechirongwa cheGMB.

Amai Mugabe vatorawo nguva yavo vachitaurira vanhu nezvechirongwa cheZIMASSET vachiti chichabatsira kuti nyika ibude mumadhaka mairi.

Vataurawo pamusoro pekudyidzana kweZimbabwe neChina vachiti kushanya kwemutungamiri weChina, VaXi Jinping, kuchaunza budiriro munyika.

Kubvira pavakatanga kuita misangano yekusangana neveruzhinji gore rapera, Amai Mugabe vanositora mukana wekutukirira vamwe vakauru vakuru vemuZanu PF vavanoti vari kukuchidzira kupatsanuka kuri mubato iri.

Asi pamusangano wekuMaphisa Amai Mugabe varumbidza vatsigiri vebato iri mudunhu reMatebeland South vachiti vakabatana uye vakayambirawo vechidiki kuti vasaite zvemhirizhonga.

XS
SM
MD
LG