Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Obvumirana Kushanda Zvine Mutsindo


Dr Patson Dzamara
Dr Patson Dzamara

Masangano anoshanda akazvimirira anoti anofanira kushanda zvakasimba kuti azeye zviri kunetsa munyika neveruzhinji pamberi pesarudzo dzemuna 2018 kuitira kuti munyika muve neshanduko.

Masangano anoshanda akazvimirira anoti anofanira kushanda zvakasimba kuti azeye zviri kunetsa munyika neveruzhinji pamberi pesarudzo dzemuna 2018 kuitira kuti munyika muve neshanduko.

Izvi zvabvumiranwa pamusangano waitwa nemasangano anoshanda ari pasi pesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition pamusangano waitwa muHarare neChipiri.

Vachitaura pamusangano uyu, Doctor Patson Dzamara, avo vanoshanda nesangano reOccupy Africa Unity Square, vati chave kudikanwa ndechekuti masangano anoshanda kazvimirira adzike midzi munyika yose kuitira kuti veruzhinji vazive mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

VaDzamara vati veruzhinji havasi kuziva zviri kuitika munyika munyaya dzezvematongerwo enyika nokudaro masangano anoshanda akazvimirira anofanira kuti ataure neveruzhinji kuti vagare vachiziva mamiriro akaita zvinhu munyika pamberi pesarudzo.

Vati masangano anoshanda akzvimirira haachanyatsoita basa rawo rekudzidzisa vanhu nemazvo.

Amai Rita Nyamupinga avo vanoshanda nesangano reFemale Prisoners Trust vati chimwe chiri kunetsawo inyaya yekuti madzimai anove ndiwo akawanda munyika ari kutya kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika kunyange hazvo mapato mazhinji achikurudzira kuti madzimai atore zvigaro sezvinoitwa nevarume.

Mumwe mudzimai apinda mumusangano uyu, Amai Vimbai Zinyama, vatiwo vashandi vehurumende vazhinji vari kutya kupinda mune zvematongerwo enyika vachitya kuti vangangorasikirwa nemabasa avo.

Vati zvakakosha kuti munhu wese ave nechekuita nekutongwa kunenge kuchiitwa nyika.

Zvichakadai, VaDzamara vati masangano anoshanda akazvimirira ave kufanira kutora danho rekuti ayananise mapato anopikisa kuti ashande pamwechete pamberi pesarudzo dza2018 vachiti izvi zvisina kuitwa uye veruzhinji vasiri kunyatsoziva zviri kuitika munyika, Zanu PF inogona kungodzoka muhutongi.

Zvichakadai, VaGeorge Makoni, avo vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, vati sangano ravo ratova mubishi rekuwumba zvikwata mumatunhu ose zvichange zvichizeya nyaya dziri kunetsa munyika neveruzhinji.

Masangano anoshanda akazvimirira ari kuronga musangano mukuru muna Zvita uri kudaidzwa kuti National Convergence Platform wakatarisirwa kubuda nezvisungo zvinobata nyaya dzesarudzo, mamiriro akaita hupfumi hwenyika pamwe negwara raachatora panyaya yesarudzo.

XS
SM
MD
LG