Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kugadzirisa Zvinhu Kuitira Kuti Vana Vayo Vadzokere Kumusha


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai (L) Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe (R)
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai (L) Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe (R)
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nenyaya dzezvematongero enyika dzinoti hurumende yeZimbabwe nevanhu vayo, ndiyo inogona kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutambura muSouth Africa.

Nyanzvi idzi dzinotiwo Zimbabwe inofanirwa kushanda zvakasimba mukukwezva zvizvarwa zvayo kuitira kuti zvidzoke kumusha nekuti South Africa pachayo ine matambudziko ayakatarisana nawo.

Zimbabwe inyika yaizivikanwa senyika inowanira vanhu vayo pamwe nenyika dzekuchamhembe kweAfrica chikafu chakakwana. Asi nekuondomoka kwakaita hupfumi, apo mutungamiri wenyika iyi, VaRobert Mugabe, vaitonga vega nebato ravo reZanu PF, vanhu vakawanda vemuZimbabwe vakabuda munyika, vazhinji vavo vachienda kuSouth Africa kunotsvaga mafuro manyoro.

South Africa inonzi ine vanhu vekuZimbabwe vanodarika mamiriyoni matatu
Zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa, iyo yakaona mutungamiri weMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vachigadzwa semutungamiri wehurumende yemubatanidzwa naVaMugabe, zvinhu zvakatanga kuita zviri nani munyaya dzehupfumi.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa hupfumi hwayo nechimbi chimbi, kuitira kuti vose vakabuda munyika iyi vachinotsvaga mafuro manyoro, vadzokere kumusha.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachidzidzisa pa University of Johannesburg muSouth Africa, VaGideon Chitanga, vanoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa nyaya dzematongerwo enyika, kuitira kuti hupfumi husimukire.

VaChitanga vanoti munyika mukaratidza kuti mava nerunyararo, vakatiza mhirizhonga yezvematongero enyika vanogona kudzoka kumusha. Asi vanoti veruzhinji vakatarisira mafambiro achaita sarudzo gore rinouya vasati vafunga nezvekudzokera kumusha.

VaChitanga vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kudzika mitemo inodzivirira kubiwa kwezvicherwa, kupambwa kwemapurazi nezvimwe zviri kutorwa neavo vane zvinzvimbo muhurumende, kuitira kuti vanhu vaone kuti mitemo yava kuremekedzwa.

Imwe nyanzvi panyaya dzehupfumi uye vachishanda nerimwe bhanga muSouth Africa, VaColls Ndlovu, vanotiwo Zimbabwe inofanirwa kuita zvinhu zvinokwezva vari kuda kutanga mabhizimusi avo munyika, kuitira kuti vari kunze vawane mabasa kana vachinge vadzokera kumusha.

VaNdlovu vanoti pakaita mitemo yakanaka, ichaita kuti mabhizimusi emuSouth Africa ari kuwanisa zvizvarwa zveZimbabwe mabasa, apindewo muZimbabwe, vanobva kuZimbabwe vari muSouth Africa vachizokwanisawo kuwana mabasa aya kumusha kwavo.

VaNdlovu vanoti vanhu vekuZimbabwe vari muSouth Africa vaneta nekugarotya kudzoserwa kumusha nechisimba, kana kuwirwa nedambudziko remhirizhonga yerusarura, kana kuti xonophobia, iyo yakasiya vanhu vekunze kwenyika iyi makumi matanhatu vafa muna 2008.

Imwe nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari murongi wemabasa esangano re Global Zimbabwe, VaDaniel Molokele, vanoti South Africa inofanirwa kushanda zvakasimba mukukurudzira Zimbabwe kuti ipedze gakava rezvematongero enyika, kuitira kuti vari kunze kwenyika, vadzoke kuzoshandira nyika yavo.

Vanhu makumi mana nevatatu vanonzi vakafa pakamba yeLindela muna 2009, makumi maviri nevasere vari zvizvarwa zveZimbabwe.

Mumwe musoja wemu South Africa akamiswa pamberi pedare mudunhu reLimpopo muna 2009, achipomerwa mhosva yekuuraya chizvarwa cheZimbabwe chakange chisina mari yechioko muhomwe.

Ukuwo ongororo yakaitwa mwedzi uno ne Afro Barometer ichishanda nesangano reInstitute for Democracy in Southern Africa, inoratidzawo kuti zvizvarwa zvemuSouth Africa zvinodarika zvikamu makumi matanhatu nezvinomwe kubva muzana, hazvivimbe nevanhu vekune dzimwe nyika, uye vamwe vacho, havadi kuti vanhu ava vagare munzvimbo dzavo.

Kudzamara Zimbabwe yagadzirisa zvinhu zvayo sematauriro ari kuita VaChitanga naVaNdlovu, vanhu vakawanda vemuZimbabwe vari mu South Africa vachagara vakabatira ura mumaoko nekutya, zvikuru seyi pose pavanofunga nezvemhirizhonga yemarudzi, pamwe nemabatirwo anoitwa vanhu pakamba yepaLindela, apo vanenge vachidzoserwa kuZimbabwe nechisimba.
XS
SM
MD
LG