Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovandudza Dzidzo muChirongwa cheMakore Mashanu


Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vanoti dare remakurukota rakapasisa chirongwa chebazi ravo chekuvandudza nyaya dzedzidzo mukati memakore mashanu.

Chirongwa ichi chinonzi chine zvisungo zvitanhatu zvinofanirwa kuzadziswa, zvinosanganisira kudzoswa kwechiremerera chemurairidzi, kuvandudzwa nekukwidziridzwa kwenyaya dzedzidzo, uye kubatsirwa kwevana vanoshaya kuitira kuti vasarasikirwe nedzidzo.

Chirongwa ichi chakatanga kurongwa nezvacho pakati pa2009 na2010 uye chinotarisirwa kuti panopera makore mashanu, chinenge chabatsira mukuvakwa kwezvikoro zvedzidzo yepamusoro zvinoita mazana manomwe nemakumi mashanu, pamwe nekugadziridzwa kwedzimba dzekudzidzira dzinodarika zviuru makumi maviri.

Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kuwana rubatsiro kubva kumasangano anopa rubatsiro pamwe chete nehurumende rwemari inosvika mabhiriyoni mana nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaOswald Madziwa, avo vanga vachishanda pamwe nebazi rezvedzidzo mukubuda nechirongwa ichi, vanoti chirongwa ichi chiri kutarisirwa kushandura mamiriro enyaya dzedzidzo, uye kurarama kwevarairidzi, kana chikabudirira.

XS
SM
MD
LG