Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Achaitwa Soccer Star Gore Rino?


Caps United
Caps United

Zvikwata zveCaps United neFC Platinum zviri kurwira zvekare mukombe weCastle Soccer Star of the Year zvichitevera sarudzo yevatambi gumi nemumwe chete vakaita mashiripiti gore rino.

Zvikwata zveCaps United neFC Platinum zviri kurwira zvekare mukombe weCastle Soccer Star of the Year zvichitevera sarudzo yevatambi gumi nemumwe chete vakaita mashiripiti gore rino.

Makepekepe neKugona Kunenge Kudada dzine vatambi vatatu pachikwata chega chega kusanganisira Leonard Tsipa naWalter Musona avo vari kutarisirwa kurwira mukombe mukuru uyu.

Tsipa asarudzwa pamwechete na Ronald Pfumbidzai pamwe na Hardlife Zvirekwi pavatambi vabva kumaGreen Machine avo vari kurwira mukombe wakakosha uyu.

Pfumbidzai anoti anokodzera kuve pavatambi gumi nemumwe chete ava achitarisa matambiro anofadza aakaita gore rese.

Kunze kwaMusona, chikwata cheFC Platinum icho chakatorerwa mukombe weleague pamuromo neCaps United, china Winstone Mhango nemubati wepagedhe Petros Mhari.

Vamwe vatambi vasarudzwa vabva kune zvimwe zvikwata vanosanganisa Liberty Chakoroma weNgezi Platinum Stars, Clement Matawu weChicken Inn, Gift Mbweti weHwange, Peter Muduwa we Highlanders, pamwe naGodknows Murwira we Dynamos.

Kunyange hazvo vatambi ava vasarudzwa nhasi, achatora mukombe mukuru wesoccer star of the year pamwe nevaviri vachamutevera vachazivisa pamabiko achaitwa neveDelta Beverages mukupera kwesvondo rino.

Asi mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaInnocent Mushambi, vanoti vachitarisa pavatambi vasarudzwa ava vari kuona Tsipa ari pamberi pavo vese.

Tsipa ndiye zvekare ari kutungamira pazvibodzwa muPSL mushure mekukanda zvibodzwa gumi nechimwe chete, chimwe chete kudarika Gift Mbweti weHwange.

Asi mumwe muteveri wemutambo uyu, VaPaul Mushamba, vanoti vanoona Walter Musona weFC Platinum ari iye anofanira kutambidzwa mukombe wesoccer star of the year.

Soccer Star of the Year anopihwa zviuru zvitanhatu zvemadhora.

As zviri pachena kuti Lloyd Chitembwe ndiye achatora mukombe wemurairidzi akashura mare mushure mekutora mukombe weligi neCaps United, kwapera makore gumi nerimwechete maGreen Machine achitambura kuita izvi.

Murairidzi wegore anotambidzwa madhora zviuru zvitatu senzira yekuyemura zvaakaita.

XS
SM
MD
LG