Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Zvichitevera Kuunzwa kweBond Notes


Vanhu vakamirira kutora mari dzavo mumabhanga
Vanhu vakamirira kutora mari dzavo mumabhanga

Vagari vekwaMutare vari kunyunyuta zvakanyanya nekuunzwa kwaitwa maBond Notes vachiti hurumende yeZanu PF iri kuita zvisiri kudiwa neruzhinji rweZimbabwe.

Vagari vekwaMutare vari kunyunyuta zvakanyanya nekuunzwa kwaitwa maBond Notes vachiti hurumende yeZanu PF iri kuita zvisiri kudiwa neruzhinji rweZimbabwe.

Vakawanda vanoti mabhondi notsi aya achakonzeresa kuti munyika mushaikwe zvinhu zvakakosha sezvo mari iyi isingakwanise kutenga zvinhu kunze kwenyika, kunyange hazvo hurumende ichiti huremu hwayo hunoenderana nedhora rekuAmerica

VaMaxwell Chimhete mugari wemaMutare mumusha weHobhouse. VaChimhete vanoti havana chokwadi nezviri kuvimbiswa nehurumende zvekuti mari iyi inoenderana nedhora rekuAmerica nekuda kwekuti chakatanga ndechakachenjedza pavakamborasikirwa neimwe mari mumakore apfuura.

VaChimhete vanoti vakarasikirwa nemari munguva iyo hurumende yaishandisa ma bearer cheque.

Mumwe mugari wemumusha weSakubva kwaMutare, VaCrispen Chiwata, vanoti kuvapo kwemabhondi notsi zvisinei nekuti veruzhinji havaadi, zvinopa kuti vafunge kuti pane chitsotsi chiripo kubva kuvakuru vehurumende.

VaPeter Mangezi vekuZimunya kunze kweguta reMutare vanotiwo havatodi kunzwa nezvenyaya iyi kunyange mabhondi notsi aya atovepo.

Mumwe mugari wekwaOdzi, VaPatrick Tsopotsa, vanoti chiri kunetsa panyaya yemari iyi kuyienzanisa kwairi kuitwa nedhora reku America.

Zvinonzi vamwe vatotanga kutengesa dhora rekuAmerica nemabhondi notsi gumi nematatu muzuva repiru mari iyi yatanga kutengeswa.

Asi muzvinabhizinesi uyezve vari mumiriri weDangamvura – Chikanga mudare reparamende kubato reZanu PF, VaIsau Mupfumi, vanoti kuunzwa kwemari iyi kuchapedza matambudziko ekushomeka kwemari yekushandisa munyika, sezvo vamwe vange voburitsa madhora ekuAmerica kunze asisadzokere munyika.

Kunyange hazvo mari iyi yakatanga kushanda neMuvhuro, mumabhanga mazhinji mune mitsetse mirefu vazhinji vachitarisirwa kungotora madhora makumi mashanu chete pazuva, pasvondo vachibvumirwa kutora mari isingapfuuri zana nemakumi mashanu emadhora pamunhu.

Mari iyi iri kudhindwa iri madhora maviri akabatana uye madhora mashanu. Vakawanda vari kuchema nerekuti hurumende iri kuvamanikidza kuti vaitambire.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti bhanga ravo harizi kuzoisa mari yakawandisa muvanhu sezvo vari kuzoshandisa mari inoenderana neyavakakwanisa kuwana kune rimwe bhanga rekunze sechikwereti.

XS
SM
MD
LG