Accessibility links

Breaking News

Washington Yogadzirira Kugadzwa kwaVaTrump neChishanu


Guta reWashington DC rogadzirira kugadzwa kwaVa Donald Trump
Guta reWashington DC rogadzirira kugadzwa kwaVa Donald Trump

Kwasara mazuva maviri kuti mutungamiri mutsva we America, VaDonald Trump, vagadzwe muguta reWashington DC.

Va Trump vari kutora basa riri kusiyiwa naVa Barack Obama avo vange vari pachigaro kwemakore masere.

Nzira dzese dziri kutarisirwa kunge dzaka nanga kuWashington DC kumabiko emusi weChishanu kunyange hazvo kuri kutarisirwa kuti kuchange kune vachange vachiratidzira vachichema chema nezvakasiyana siyina kusanganisira kusafarira hurumende itsva yaVaTrump.

NeMugovera kuri kutarisirwa kunge kune kuratidzira kwemadzimai vari kutarisirwa kubva kunharaunda dzakasiyana siyina vachiti havasi kufara nemabatirwo anotarisirwa kuitwa vanhukadzi pasi pehurumende yaVaTrump.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Amai Esther Togara, vanoti vane shuviro yekuti hurumende yaVaTrump ichakwanisa kuita mabasa anobatsira nyika dzemuAfrica neZimbabwe.

Amai Togara vanoti vakafadzwa zvikuru nemabasa akaitwa nevari kusiya chigaro VaBarack Obama uye dayi vaikwanisa kuwana mukana wekutaura navo vaizovatenda nebasa ravakaita makore masere apfuura.

"Chiri kufadza ndechekuti tiri kuwona mafambisirwo ehurumende yejechetere sezvo vanhu veAmerica vakasarudza VaDonald Trump uye VaObama vari kusiya basa pasina mhirizhonga sezvinombowanikwa mune dzimwe nyika uye isu tinofunga kuti nyika inga dzidze zvakawanda kubva kune zviri kuitika muAmerica," Amai Togara vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG