Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 19, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 19, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dunhu reMashonaland West rinoti VaSavior Kasukuwere ngavadzingwe muhurumende nemuZanu PF sezvo vatadza kumutsiridza bato reZanu PF pamwe nekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vechidiki veZanu PF kuManicaland vanoti rwendo rwuno havasi kuvhotera vakuru vemubato ravo sezvo vari kukundikana kuita zvido zvevechidiki ava.

Vari mu Diaspora voendesa nyaya yavo kumatare kuitira kuti paitwe mutongo wekuti vabvumidzwe kuvhota vari munyika dzavari.

Vari kunze kwenyika vokurudzirwa kubatsira vanasikana vanoshaya kutenga zvinoshandiswa nevasikana pakutevera, kana kuti sanitary pads.

Nhengo yeZanu PF yekuwanikwa nemhosva yekupfura VaPatrick Kombayi inoshaya.

Muchirongwa chatinotarisa zviri kuitwa nevari muDiaspora nhasi paLiveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hwekuenda kumatare kuitira kuti hurumende imanikidzwe nematare aya kutambira mavhoti evari kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG