Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 16, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mufundisi wesvondo yekuKariba, VaPatrick Mugadza, vanosungwa muHarare nhasi mushure mekunge vaudza nyika kuti vakaudzwa naMwari kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa gore rino muna Gumiguru.

Kutongwa kwenyaya dziri mumatare kunoparurwa zviri pamutemo nyika ichikurudzirwa kurwisa huori.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanowedzera negore zvirango zvakatemerwa hurumende yaVaMugabe.

MDC-T inoti hurumende ndiyo yakauraya makanzuru zvichitevera kupindira kwayakaita munyaya dzemagetsi nemvura.

Veruzhinji vofarira ma Warriors zvichitevera mangange avakaita neAlgeria kumakwikwi e 2017 Afcon nezuro muGabon.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa chikwata chema Warriors icho chiri kutanga makwikwi eAfrica Nations Cup neSvondo chichitashurana neAlgeria.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Ndira 16, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG