Accessibility links

Breaking News

Econet Inopa Zvipatara neZvikoro Marambi Anoshanda neZuva


Kambani yembozhanhare, yeEconet Wireless, yapa marambi anoshandisa zuva kana kuti solar lanterns zviuru zvitatu kuzvipatara nezvikoro zvekumaruwa.

Kambani iyi yapawo marambi akadai mazana matatu kukanzuru yeHarare kuti ashandiswe muzvipatara zvayo zviviri nemakirinika ayo gumi nemaviri.

Vachitambira marambi aya, ayo anokosha madhora anodarika zviuru makumi maviri, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaDouglas Mombeshora, vati marambi aya achabatsira kuchengetedza hupenyu sezvo mamwe madzimai nevana vachifa murima mushure mekubatsirwa.

Makirinika akawanda kumaruwa haana magetsi uye kunyange kune magetsi, magetsi acho anogara asiko sezvo ZESA iri kutadza kugaya magetsi anokwanira nyika yese.

Munyori mubazi rezvehutano, VaGerald Gwinji, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumakirinika ekumaruwa sezvo dzimwe nguva vana mukoti vachishandisa marambi epambozhanhare dzavo mukubatsirisa madzimai.

Mamwe makirinika ari kutoraira varwere nemadzimai anenge akazvitakura kuti auye nemakenduru kana marambi avo kana vachinge vave kuenda kukiriniki.

Mukuru weEconet muZimbabwe, VaDouglas Mboweni, vati marambi avapa achabatsira zvikuru.

VaMboweni vanoti Econet inotarisirwa kupa marambi akadai anodarika zviuru gumi kumakirinika nezvikoro munzvimbo zhinji munyika.

Meya veHarare, VaMuchadeyi Masunda, vati marambi aya achabatsira zvikuru mumakirinika avo umo vati munozvarwa vana vanodarika zviuru zviviri mwedzi wega wega.

Sachigaro wekomiti yekanzuru yeHarare inoona nezvehutano nedzidzo, VaCharles Nyatsuro, vanoti magetsi anonetsa chose muHarare uye marambi abva kuEconet achavabatsira chose.

Kambani yeEconet yapawo rubatsiro rwezvinhu zvakawanda zvinosanganisira mibhedha nemaWheel Chair kuchipatara che St Gilels muHarare.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG