Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoda Kuziva Chokwadi Chakauraya Murume Wavo


Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti havasi kugutsikana nemafiro akaita murume wavo.

Vachitaura nevatambi venhabvu yevanhukadzi – Mighty Warriors – avo vainge vaenda kunovabata mawoko, Amai Mujuru vakati moyo wavo unozogadzikana chete kana chokwadi chichinge chabuda pachena kuti chii chakaitika – kubva nenguva dzesere dzemanheru emusi uyu kusvika pakafira murume wavo mumoto.

Amai Mujuru vanoti dai pasina chakaitika, murume wavo angadai akakwanisa kutiza moto wakazomuuraya nepamahwindo emuimba yavo yekurara.

Vakatizve vachamirira kuona zvichabuda muongororo yemapurisa. Mapurisa anoti abvunzurudza vanhu vane chitsama pamusoro pekufa kwaVaMujuru.

Va Wilfred Mhanda mumwe wevaimbova varwiri vehondo yerusununguko, avo vakashanda namuchakabvu Solomon Mujuru ku Mozambique vasati vasungwa ivo nevamwe vavo vedare rechimurenga.

VaMhanda vanoti Amai Mujuru vaita zvakanaka kutaura kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pamafiro akaita murume wavo.

Munyori mukuru we MDC yaVa Morgan Tsvangirai vati panofanira kuitwa ongororo yakakwana kuti chii chakauraya Va Mujuru. Kasi vakumbirawo ruregerero kuti mashoko avo pahwikendi akatorwa zvisizvo kuti vaiti Zanu-PF ndiyo yakauraya Va Mujuru.

XS
SM
MD
LG